Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasvika munyika nhasi vakashora zvikuru vanhu vange vachifambisa shoko rekuti vakashaya kana kuti varwara zvakaipisisa.
Vaudza vatori venhau kuti sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, pose pavanongobuda munyika vanobva vanzi vafa. Asi vaseka havo vachiti vakangosvika muZimbawe vanobva vamuka.
VaMugabe vakasiira musangano weSADC summit kuSwaziland panzira vachibva vasimuka husiku vakananga kuDubai. Mutauriri wavo VaGeorge Charamba pavakabvunzwa nezverwendo urwu vakaramba kutaura nezvazvo neStudio 7.
Asi vachitaura nevatori venhau nezuro kuBulawayo, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo vakati VaMugabe vange vachitarisirwa kudzoka nhasi vozonotaura pamusangano wevechidiki webato ravo uri kuitwa muHarare.
VaMugabe vaudza vatori venhau kuti vange vaenda kuDubai kunoona mwanakomana wavo Robert Junior ari kudzidza kunyika iyi, "Ndakanga ndaenda kunogadzirira mwana zvekuchikoro kwake."
VaMugabe vatambirwa panhandare yendege nevatevedzeri vavo vaviri, VaEmmerson Mnangagwa naVaPhelekezela Mphoko nemamwe makurukota ehurumende.