Matare maviri eparamende anoti House of Assembly neSenate, agara zvechimbichimbi kuitira kuti aziviswe pasvika hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, uhwo huri kunzi hwatanga zviri pamutemo.
Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu inotiwo inoda mazuva makumi matanhatu nemashanu ekuti ipedze kuita zvose zvinoda kuitwa.
Chirongwa ichi chakanonoka kutanga nezvikonzero zvakasiyana siyana, izvo zvinosanganisirawo kushaikwa kwemari. Asi mumwe wemasachigaro ari kutungamira hurongwa uhu, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti vakapiwa US$43 million nebazi rezvemari, uye vari kutarisira kuwana imwe mari kubva kubazi rezvemitemo.
Chief Whip weMDC inotungamirirwa naVaTsvangirai, VaInnocent Gonese, vanoti nhengo dzeparamende pamwe neseneti dzichatanga kudzidziswa mafambiro achange achiitwa basa rekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika neChipiri kuitira kuti dzikwanise kuzoshanda pamwe nemakomiti achapinda muvanhu.
Chief whip weZanu PF muparamende, VaJorum Gumbo, vaudza Studio7 kuti chimwe chaita kuti vadaidzire musangano uyu inyaya yekuda kuti vamiriri veparamende vatsigire zvikwata zvichapinda muvanhu zvichida kunzwa pfungwa dzavo.
Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kunge yapedza kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika panokwana mwedzi makumi maviri nemina kubva pakatanga hurumende iyi kushanda.