Nemusi weChitatu matare eparamende emu America akatambira kuvandudzwa kwemutemo unobata Zimbabwe senzira yekuikudzira kuti iite sarudzo dzakachena, uye kuita hutongi hwejekerere.
Mutemo uyu weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act wakadzikwa muna 2001.
Bhiri rekuvandudza mutemo uyu rakaunzwa mudare naSenator Jeff Flake vebato reRepublican Party pamwe naSenator Chris Coons veDemocratic Party.
Mutemo uyu unoti Zimbabwe ikabata zvakanaka sarudzo, pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu, zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende pamwe nemakambani anodyidzana navo, zvinobviswa.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwenyika, uye vari nhengo yeZanu-PF, VaKindness Paradza, vanoti vanotambira nemufaro kudzikwa kwemutemo uyu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKindness Paradza