Mutori weNhau weThe Standard Anosungwa

Masangano anomirira vatori venhau atambira nekusuwa kukuru kusungwa kwemutori wenhau weThe Standard, Nqobani Ndlovu, neChitatu mangwanani.

Ndlovu ari kupomerwa mhosva yekunyora manyepo pamusoro pezvinonzi zviri kuitika muchipurisa. Ndlovu ari kutarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva neChina. Nhepfenyuro ye VOP inoti mapurisa ari kutsvagawo mupepeti we The Standard, VaNevanji Madanhire.

Nezuro mumwe mutori wenhau webepa iri kuBulawayo, Dumisani Sibanda, akambochengetedzwa nemapurisa pamusoro penyaya iyi..

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa kuMISA-Zimbabwe, VaNhlanhla Ngwenya, vanoti vari kunetsekana nekusungwa kwemutori wenhau uyu. VaNgwenya vanoti mapurisa anofanirwa kutevedza nzira dzejechetere kana vachinge vakanganisirwa kwete kusunga munhu.