Mapurisa, Vasori neVeChidiki veZanu-PF Vobatana Kumisa VaNgarivhume Kubvisa Marara kuMbare

  • Blessing Zulu

Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume

Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vanoti nemusi weChina vakarambidzwa zvekare nevasori, mapurisa nevechidiki vebato reZanu-PF kubvisa marara kuMatapi, Mbare.

VaNgarivhume vakambochengetedzwa zvekare nemapurisa ekuMbare . Vaudzawo Studio 7 kuti mapurisa akati vanofanira kutanga vavakumbira mvumo.

Nzvimbo yeMbare sedzimwe nzvimbo dzakawanda mumaguta amazhinji haisi kutakurwa marara sezvo makanzuru ari kuchema chema kuti haana mari achitiwo vanhu havasi kubhadhara mari dzemitero pamwedzi.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kana revasori VaOwen Ncube vanzi vange vari mudare reparamende nemimwe misangano.

Tatumirawo mubvunzo kumukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu- PF VaTafadzwa Mugwadi asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVajacob Ngarivhume