Mapfumo Oita Hurukuro neStudio 7 Ari kuZimbabwe

Muimbi Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira munyika Thomas Mapfumo akadzoka munyika musi weChitatu, apo nyika yaipemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere.

Muimbi weChimurenga uyu ange ari muhupoteri kuAmerica kwemakore gumi nemana, anoti akabuda munyika nekuti ange asiri kufara nemabatirwo ange achiitwa vanhu pasi pehurumende yaVaRobert Mugabe.

Mapfumo, uyo achairidza kuGlamis musi wa28 Kubvumbi, anoti anogona kugara munyika kana vanhu vachida kuti aite izvozvo.

Mapfumo, uyo akambopomerwa mhosva yekuba motokari, anoti haana kana mhosva yaakapara.

Mukuru anooana nezvekufambiswa kwebasa raMapfumo, VaAustin Sibanda, vaudza Studio 7 vanogona kuti Mapfumo aende kuBulawayo, Masvingo, Mutare nedzimwe nzvimbo kana pakaita mukana.

Kunyange hazvo pane vari kufara nekudzoka kwaMapfumo, pane vamwe vanoti kudzoka kwake hakuna basa navo nekuti vanoda vaimbi vechizvino zvino.

Mumwe anofarira Mapfumo, VaJonstone Chirwa, vanoti VaMapfumo muimbi mukuru chaizvo.

Mapfumo akatanga kuimba kare dzimbo dzechimurenga, achishandisa madimikira nezvimwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya