Bato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rashora zvikuru Zanu-PF neMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, richiti mapato maviri aya ari kuvhiringidza nhaurirano dzakanzi dziitwe neSADC.
Nhaurirano idzi dzakanangana nekugadzirira misariridzwa yepagakava riri muhurumende yemubatanidzwa zvikuru pakati paVaTsvangirai naVaMugabe.
MDC inoti kwemasvondo maviri hapana chati chaitwa nekuti vekwa VaMutambara neveZanu-PF, vari kuita nzendo dzekubuda munyika dzisingaperi, idzo yati dziri kutadzisa kuti vagare pasi vose vachikurukura nyaya dziri kuda kugadziriswa.
Nhaurirano idzi dziri kutarisirwa kutanga neMuvhuro, ndokana mapato ose akaungana. SADC iri kutarisirawo kuti mutungamira weSouth Africa, VaJacob Zuma, vapinde muZimbabwe svondo rinouya kuzoona kuti hurukuro idzi dziri kufamba sei.
Asi munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaWelshman Ncube, vati SADC haina kutara mazuva sekunge chipikirwa asi kungoti inguva yekuti vanhu vataurirane.
VaNcube vatiwo hachisi chokwadi kuti bato ravo riri kuvhiringidza nhaurirano. VaNcube vatiwo zvekuti munyika mune dambudziko nenyaya yezvigaro, hachisi chokwadi.
Mutevedzeri wemubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, uye vari gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, mumwe weavo vari muchikwata chiri kutungamira MDC yaVaTsvangirai munhaurirano idzi. VaMangoma vanoti havasi kufara nekudya manonoko kuri kuitwa nevamwe vavo.
Mutevedzeri wemutauriri weZanu-PF, VaEphraim Masawi, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi, sezvo vanga vasati vaudzwa nevari kutungamirira bato ravo munhaurirano idzi.