Africa University iri kuita zvakare hurongwa hwayo hwemitambo hwe Manicaland Arts Festival 2010, kutanga nemusi weChina svondo rino. Vaimbi vakawanda, pamwe nevanoita zvemitambo, vachange vari muchirongwa ichi, icho chionitwa kwemazuva matatu.
Izvi zvakaburitswa pachena mazuva mashoma apfuura pahurongwa hwekucherechedza Black History Month, uho hwakaitirwa paAfrica University.
Vari kuona nezvehurongwa hwe Africa University – 6th Annual International Festival of Arts and Culture, Doctor Thokozile Chitepo, vanoti pachiitiko apa pachava nevaimbi, vatambi vakasiyana-siyana, kusanganisirawo vekunze kwenyika.
Doctor chitepo vanoti chirongwa ichi chinopa hwaro kune vachiri kukura mumabasa ezvekuimba, mitambo, nezviratidzwa. Doctor Chitepo vanoti mitambo yakaita semuchongoyo, jerusarema nemimwe, inoita kuti nyika izivikanwe nezvainazvo.
Vanotiwo mitambo yakadai inobatsira kuunza mari uye hupfumi munyika. Doctor Chitepo vanoti izvi zvinodaro sezvo vashanyi vakawanda vachida kuziva nezvemitambo, tsika nemagariro enyika dzavanenge vashanyira.
Mukuru weAfrica University, Professor Fanuel Tagwira, vanoti Manica Fest’ yakakosha kuchikoro chavo sezvo pachikoro ichi paine vana vanodzidzapo vanobva kunyika dzakasiyana-siyana, idzo dzinosvika makumi maviri nesere. Professor Tagwira vanoti izvi zvinoita kuti pavana ava vagovane zvinoitika kunyika dzavo dzakasiyana-siyana, uye vagari vemunharaunda yeMutare, vakwanisewo kuonawo zvinoitwa kune dzimwe nyika.
Vachitaura pahurongwa hweBlack History Month, Professor Tagwira vakati hurongwa uhu hunopa sungano pakati pechikoro, kanzuru yeguta reMutare, vemabhizinesi uye vagari vemunharaunda.
Mukuru wesangano rinoshanda nevezvemitambo iyi reNational Arts Council muManicaland, Amai Silibaziso Mguni, vanoti Manica Fest’ inobatsira mukusimudzira mabasa evanoita zvemitambo nemabasa amaoko.
Gore rino vaimbi vari kutarisirwa kunge varipo, vanosanganisira Sulumani Chimbetu, Rocqui, Ntswai-Ntswai Arts Ensemble, Yambiro, Dapurahunanzwa Mbira Ensemble nevamwewo.
Gore rapera paiva nevaimbi nevatambi vemitambo vaisanganisira, Tongai Moyo, Albert Nyathi neImbongi, Adam Chisvo, Band Mutare, Rute Mbangwa, Willom Tight, Rocqui, Ma’friq, Pungwe Murahwa, Tserende yekwMurehwa, Hloseni yekuBulawayo, Zingimwute yekuAngola, nevamwe vakawanda.
Gurukota rezvedzidzo nemitambo, VaDavid Coltart, ndivo vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo mitambo iyi.