Mamwe Magweta Anoti VaMthuli Ncube Vakatyora Mutemo paKuwedzera Mutero

  • Blessing Zulu

Mthuli Ncube, Zimbabwe’s new finance minister, talking to reporters after taking oath of office in Harare, Sept. 10, 2018.

Sangano remagweta anoongorora mashandiro edare reparamende, reVeritas, rinoti zvakaitwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, zvekuwedzera mitero hazvisi pamutemo sezvo mutemo wezvemitero uchikwanisa kuchinjwa chete nedare reparamende.

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe pamwe naVaNcube vakaparura hurongwa hwezvekufambiswa kwemari uye hupfumi nemusi weMuvhuro.

Veritas inoti kana VaNcube vaida kuita izvi nechimbimbi, vaikwanisa kuburitsa gwaro mubepanhau rehurumende kana kuti Government Gazette mutemo womboshanda kwemwedzi mitanhatu.

Asi veZanu-PF nebato guru rinopikisa reMDC vari kutatsurana nenyaya iyi uye mamiriro akaita hupfumi nematanho ari kutorwa kuyedza kugadzirisa matambudziko aya.

VaMangudya vakati dambudziko harisi remari asi kuti zvikwereti zvehurumende.

Vakatiwo paitwe mutsauko pakati pemari yemabond, RTGS uye mari yekuAmerica.

VaNcube nekune rimwe divi vakati hurumende yaizobhadharisa mutero wemari inosvika masendi maviri padhora rega rega kana munhu achishandisa kadhi rekubhanga kana kubhadhara mari kune mumwe munhu kubva kubhangi rimwe kuenda kune rimwe.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti Zanu-PF yakundikana kuzadzikisa zvayakavimbisa vanhu munguva yesarudzo.

Asi nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Mponda, avo vakakwikwidza musarudzo yemumiriri weWarren Park vakamirira bato iri, vanoti hurumende ichangotanga asi iri kushanda kuzadzikisa zvayakavimbisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume naVaGilbert Mponda