MaMedical Aid Oramba Kushanda Zvoomesera Varwere

  • Blessing Zulu

Gurukota rezveHutano VaObadiah Moyo

Vanhu vanoshandisa makambani eMedical Aid kuitira kuti vazobatsirwa munguva dzekurwara vari kusangana nematambudziko kuzvipatara nepakutenga mishonga nokuti vari kunzi vabhadhare mari yakawandisa, sezvo maMedical Aid ari kunzi ari kubhadhara mari shoma.

Imwe myanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti vanhu vari kunyanya kusangana nedambudziko iri ndevaya vane zvirwere zvinoda mishonga mazuva ose zvakaita se High Blood Pressure, HIV/Aids, Diabetes nemagomarara akasiyana siyana

Dr Chiripanyanga vanoti izvi zvave kuvhiringidza hutano hwevanhu ava nokuti pese pavanoenda kunorapwa, vanofanira kuburitsa imwe mari nokuti makambani e Medical Aid haasi kukwanisa kubhadhara mari yese sezvaimboitika kare.

Vanotiwo vamwe vave kutengerwa mishonga nehama dzavo dziri kunze kwenyika nokuti mitengo yemishonga munyika haichatengeka nokuti yakanyanyisa kukwira.

Dr Chiripanyanga vanoti vana chiremba vakawanda vari kurapa vanhu vazhinji nechikwereti vaine taririsiro yokuzobhadharwa nemakambani aya asi mari yacho inozouya kwapfuura gore, mari yacho isingachakwanisi kutenga kana kubhadhara vashandi vepamakiriniki avo.

Vanoti iyi ndiyo nyaya yakonzera kuti varapwi vabhadhare yavanoti ma ’shortfall’ chero zvazvo vaine mari yavakatobhadhara kare kumakambani anoita zvokurapisa varwere.

Muzvare Winnie Munhenga avo vanoshanda vari pasi pesangano reZimbabwe National Women Living With HIV/Aids kuMashonaland Central, vanoti zviri kuvashungurudza chaizvo kuti varapwi vazhinji vave kusiya kunwa mishonga inovararamisa vachienda kunopiwa mishonga yechivanhu.

Mumiriri wesangano reHealth Justice Network Zimbabwe, VaEmmanuel Gasa, vanotiwo nyaya yekushaya mishonga uye nekuratidzira kuri kuita vana chiremba naana mukoti vanoshandira zvipatara nemakiriniki, yapamhidzirawo matambudziko ari kusangana nevarapwi vakawanda.

Amai Rufaro Maengenise vekuDzivaresekwa vanoti hapasisina mutsauko pakati pemunhu ane medical aid neasina nokuti murwere wese ari kunzi abhadhare mari yokurapwa nekutenga mushonga.

Amai Maengenise vanoti mumwe mukadzi akadzoswa kubva kune chimwe chipatara chinobatsira vakazvitakura nokuti aiva asina mari inosvika yemadhora ekuAmerica yaidiwa, zvokuti paakazoenda kuParirenyatwa Hospital, akaudzwa kuti adzokere kwaaiva abva sezvo kwaiva kusina vana chiremba vangamumubatsira.

Mukuru wemubatanidzwa wemakambani anorapisa varwere reAssociation of Health Care Funders of Zimbabwe, kana kuti AHFoZ, Amai Shylet Sanyanga, vanoti haasi ose makambani ari kubhadharisa varapwi vauya kutzosvaga rubatsiro kuzvipatara uye vanokurudzira varapwi ava kuti vataure nemakambani avo kuti vabatsirwe.

Mumwe mutauriri weimwe kambani inorapisa varwere uyo asina kuda kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau anoti mishonga iri kunyanya kudhura nokuti vatengesi vemishonga vanoitenga kunze kwenyika nemari yekuAmerica nokudaro mishonga iyi inozotengeswa nemari iri pamusoro kuitira kuti vazokwanisa kuzoitenga zvakare kunze kwenyika.

Munyori webazi rezvehutano, Dr Agnes Mahomva, havana kupindura mibvunzo yeStudio7 kuitira kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri