Nyika sere dzinoti Netherlands, Brazil, Uruguay, Ghana, Argentina, Germany, Paraguay, ne Spain, dzakwanisa kupinda muumakwikwi emuchikamu chechitatu (Quarterfinals) che2010 Fifa World Cup.
Fifa inoti zvikwata zvemuAfrica zvinogona kusimba kana masangano anofambisa nhabvu munyika idzi akakwanisa kufambisa zvinhu nemazvo.
Fifa inoti pari zvino iri kushandisa mari inodarika mamiriyoni makumi manomwe emadhora mukusimudzira nhabvu yemuAfrica, asi masangano anomirira nhabvu munyika idzi anofanirwa kuyedza kusimbaradza zvirongwa zvevechidiki kuitira kuti mutambo uyu ubudirire zvakanaka.
Vakafanobata chigaro chemurairidzi wevatambi ve Zimbabwe Warriors, VaNorman Mapeza, vanoti vanoona chikwata chekuSouth America chichitora mukombe wegore rino sezvo dunhu iri riine zvikwata zvakasimba, izvo zvinosanganisira Brazil neArgentina.