Makurukota eZanu-PF Oenderera Mberi Achiti Zanu-PF Haisi Kuzotambira Zvibuda muSarudzo

Mauto achatsigira anenge akunda musarudzo here?

Mushure mekunge mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerrence Mukupe, vataura kuti mauto haana kubvuta masimba kubva kune vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vagoapa kuna VaNelson Chamisa, gurukota redunhu reMasvingo, VaJosaya Hungwe vakataurirawo vanhu pakuparura kwavaiita kirinika kuChiredzi neChitatu kuti VaMnangagwa havazobva pachigaro kunyange vakakundwa musarudzo dziri kuuya.

Vakati VaMnangagawa vakapinda pachigaro nepfuti uye vanogona kudziridza zvekare.

Mutauriri weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa Muzvare Thabitha Khumalo vanoti mutungamiri wenyika ari kufamba pasi pose achinyepa kuti kuchave nesarudzo dzaakachena nekune rimwe divi ngengo dzebato rake dzichirova nekutyisidzira vanhu.

Asi nhengo yeZanu-PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti mapato anopikisa haadi kubvuma kuti zvinhu zvavenani munyika vachiti vari kutsvaga rutsigiro murunyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGadzira Chirumanzu naMuzvare Tabitha Khumalo