Mafuta eKufambisa Dzimotokari, Simende, Huku neZvimwe Zvoshaikwa muNyika

  • Blessing Zulu

Lafarge Cement Zimbabwe

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa kwezvinhu zvakawanda muzvitoto uye kudhura kwazvemwe.

Munzvimbo dzakawanda munyika mange musina mafuta ekufambisa dzimotokari uye zvitoro zvakawanda zveChicken Inn kunyanya muBulawayo zvainge zvisina huku nezuro zvakapa kuti zvivharwe nechimbi chimbi.

Vamwe vari kuvaka vari kuchema chemawo kuti simende haisi kuwanikwa muzvitoro. Zvimwe zvitoro kuBulawayo zvinonzi zvave kuti vanhu vatenge bhodhoro rimwe chete remafuta ekubikisa nekuti ave mashoma. Mishonga yakaita seyerurindi kana kuti TB iri kushomekawo muzvipatara.

Asi vachitaura nebepanhau reChronicle vari kuBeinjing China, gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya vanoti havazivi chiri kukonzera kushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari sezvo vakapa vanotenga mafuta aya mari inokwana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Elliot Masocha vanoti kushomeka kwezvinhu kuri kukonzerwa nekushaikwa kwemari yekunze munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Elliot Masocha