Mafashamu eMvura Ouraya Vanhu neKuparadza Zvivakwa muNyika

  • Blessing Zulu

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuManicaland, Mashonaland Central, Harare, Masvingo, Matabeleland North neSouth, Midlands nemamwe matunhu sezvo vanhu vave kurasikirwa nehupenyu uye midziyo zviri kukonzerwa nemafashamu emvura.

Mumwe murume akafa mumugwagwa weChimanimani-Skyline mushure mekunge motokari yake yawira mugoronga raive pakati pemugwagwa rakakonzerwa nemafashamu emvura. Mapurisa ekuMwenezi akaburitsawo murwizi mutumbi waVaCollet Gumbo vakayeredzwa nemvura neChishanu.

Vamwe vana vatatu vakanyurawo vakafa apo vairaura murwizi rweGwayi svondo rapera. Mumwe mushandi mubazi rezvehutano akafawo kuMwenezi mushure mekunge motokari yaaifamba nayo yayeredzwa murwizi Chambara svondo rapera zvakare.

Vamwe vanhu vaviri vakayeredzwa muna uMzingwane River pedyo neBeitbridge uye kuMidlands dzimba nezvikoro zvakaparadzwa nemvura iyi.

KuChitungwiza dzimwe dzimba dzakaparadzwawo nemafashamu emvura neChishanu uye gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vakaudza vatori venhau neMugovera kuti vanhu vane dzimba dzakavakirwa mumatoro nedziri pedyo nenzizi vachatamiswa.

Mukuru werimwe sangano revagari reChitungwiza Residents Trust kana kuti Chitrest VaMarvelous Khumalo vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvagari vari kunzvimbo dzakaita seZengeza 4, Chikwanha, Units L, K neN.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMarvelous Khumalo