Mafaro kuDembare ne Makepeke Asi Kusuwa kuBosso muPSL

  • Michael Kariati

Pamitambo yakatambwa nemusi weSvondo, kwakave nemufaro mukuru mmumisha yeDynamos ne Caps United asi mhute uchiri wakakwidibira chikwata cheHighlanders.

Murairidzi mutsva weDynamos Tonderai Ndiraya aunza mufaro muDembare mushure mekutora mapoinzi ese matatu nekurova ZPC Kariba 1-0 mumutambo uyo wakaunganidza chaunga munhandare yeRufaro.

Mapoinzi matatu aatora auya mushure mekunge Dembare yakashanya kuBulawayo ndokunoita mangange 1-1 neTelOne mumutambo wake wekutanga mushure mekutora basa iri kubva kuna Lloyd Mablanyo Chigove.

Asi Ndiraya haasi kuzvitutumadza achiti iye anoda kutenda vatambi vake nekubata basa nemazvo kwavakaita neMoto Moto.

Kukunda uku kwafadza vatsigiri veDembare zvekuti nhengo yeDynamos Supporters Association VaFanuel Langwani vanoti chitima cheDynamos chasimuka zvekuti hapana achachimisa.

Asi vasati varota zvemukombe Dembare inofanira kutanga yatarisa zvirikubva mumusha mevavakidzani vavo.

Vavakidzani vavo veMakepekepe vaswedera pedyo nehutungamiri hwegungano iri mushure mekurova Harare City 1-0 ndokupinda mumapoinzi gumi nematatu, poindi imwechete-chete pasi pechikwata chiri kutungamira makwikwi aya cheFC Platinum.

MaGreen Machine ane mutambo wavasati vatamba neBlack Rhinos uyo vakakunda vanoenda pamusoro pegungano rePSL.

Asi zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kuchikwata cheFC Platinum icho chakaita mangange 0-0 neHerentals ndokurasikirwa nemapoinzi maviri, mushure mekubuda mumutambo uyo nepoindi imwechete chete, uyezve pamusha, muMandava Stadium.

Ku chimwe chikwata chine mukurumbira cheHighlanders zvinhu hazvina kumira zvakanaka mushure mekuita mangange 0-0 neHwange, ndokunyura kusvika pachinzvimbo chechitatu, kubva pasi.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…..

Highlanders 0 Hwange 0

Chapungu 2 Mushowani 1

Manica Diamons 0 Chicken Inn 2

Black Rhinos 2 Triangle 1

Bulwayo Chiefs 2 Yadah 3

Ngezi Platinum 1 TelOne 0

Kwatambwa mitambo mitanhatu, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi…

FC Platinum 14 points

Caps United 13 points

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati