Mabhanga Anoti CBZ, FCB neStandard Chartered Omisa Basa Vashandi Vakawanda

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Banks - ZBBA

Vashandi vemumabhanga vakawanda vari kurasikirwa nemabasa zvichikonzerwa nekusamira zvakanaka kwehupfumi uye kushandiswa kwemichina yechizvino zvino.

Bhanga reFirst Capital Bank riri kugumura vanhu zana nemakumi maviri, reCommercial Bank Zimbabwe riri kutarisirwa kugumura vanhu zana ukuwo bhanga reStandard Chartered richinzi rinoda kuvhara mapazi akawanda munyika rosara nematatu chete.

Vashandi vari kumiswa mabasa vanonzi vari kubva ari maoko chete sezvo vemabhanga vari kutadza kuvabhadhara mari dzavo dzechigumura.

Mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, varizve mutungamiri weZimbabwe Banks and Allied Workers’ Union vanoti vashandi vakawanda vacharasikirwa nemidziyo yavo sezvo vamwe vaine zvikwereti zvovotadza kubhadhara nekunyimwa mari dzekumiswa basa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina VaPeter Mutasa

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti naivowo sevashandirwi vaomerwa nezvinhu sezvo hupfumi huri kuramba huchienda mawere.

VaMurefu vanoti munyika hamuna magetsi, mvura nemari yekunze izvo zviri kupa kuti vemabhizimisi vatatarike zvakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Doctor Israel Murefu