Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Human Rights Association kana kuti Zimrights, Amnesty International neZimbabwe National Editors Forum ari kushora zvikuru kusungwa kwevanopikisa.
Mizinda yeAmerica neEuropean Union iri kushorawo nyaya yekusungwa kwevanopikisa uku.
Vari muhusungwa vanosanganisira mutauriri webato rinopikisa reMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere, mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala, mutori wenhau Hopwell Chin’ono uye mumwe mukuru musangano revadzidzi reZINASU VaAllan Moyo.
VaSikhala, Muzvare Mahere uye Chin'ono vari kupomerwa mhosva yekuda kusvibisa zita renyika apo vanonzi vakagovera vhidhiyo yainge iina amai vaiti mwana wavo ainge aurayiwa nebhoma yemupurisa.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi vakazobuda vachiti mwana uyu ainge asina kufa mushure mekunge mapurisa aita ongororo.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti zvave kuitwa nehurumende kumbunyikidza kodzero dzevanhu panguva iyo pasi rose riri kurwisa denda reCovid-19.
Mukuru weZimrights VaDzikamai Bere vanoti zviri kuitwa nehurumende kumbunyikidza kodzero dzevanhu uye chinopa kuti vakawanda vafungire mapurisa inhoroondo yavo yekugara vachipomerwa mhosva dzekushungurudza vanhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDzikamai Bere