Kushaya Dzidziso Kwopa Kuti Vakawanda Vatapurirwe Chirwere cheCovid19 Vadzoka kuZimbabwe

  • Blessing Zulu

Mukuru mubazi rezvehutano anoona nezvemamiriro enharaunda uye nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika kana kuti maqurantine centres VaVictor Nyamandi vanoti kushaya ruzivo rwakakwana ndiko kwopa kuti vanhu vakawanda vatapurirane chirwere checoronavirus munzvimbo idzi.

Vanoti vari kushushikanawo zvikuru nekutiza kuri kuita vanhu munzvimbo idzi mushure mekunge mapurisa azivisa kuti vanhu zana nemakumi masere nevana vainge vatiza.

Pavanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevashanu vabatwa nechirwere ichi munyika, mazana mana nemakumi mana nemasere vakabva kunze kwenyika, makumi manomwe nemanomwe vachitapurirwa chirwere ichi munyika.

Dare repamusoro rakatombopa mutongo wekuti hurumende igadzirise zvinhu kunzvimbo dzinochengeterwa vanhu idzi mushure mekunge sangano ravanachiremba reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rakwidza nyaya kumatare richiti hakuna hutsanana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaVictor Nyamandi