Dambudziko reKushandisa Zvinodhaka Ropararira muNyika

Mbanje

Sachigaro wesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights Dr Fortune Nyamande vanoti kushandisa zvinodhaka kuri kuitwa nevamwe vanhu kwave kuvakanganisa hutano hwavo nemagariro avo.

Dr Nyamande vanoti dambudziko iri rapararira zvekuti zvave kuda kuti hurumende idzike mutemo wekuona kuti huwandu hwevanoshandisa zvinodhaka waderera.

Vakurudzirawo hurumende kuti igare pasi nevemapoka akasiyana siyana mukuedza kutsvaga nzira dzekuti vapewo mikana kune avo vanoshay rutsigiro mumhuri, kana mumabasa kuti vasarambe vachishandisa zvinodhaka.

Dr Nyamande parizvino vari pachikoro chezvehutano nehutsanana che Armory muAtlanta Georgia muno muAmerica apo pavari kuwedzera fundo.

Vati zvinokonzera kuti vanhu vashandise zvinodhaka zvakasiyana siyana kusanganisira hurovha, kuwana mari yakawandisa yoshaikwa zvekuita nayo, kutamba neshamwari dzinofurira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Fortune Nyamande