Kusanzwisisa Tsika dzeChivanhu Kwopa Kuti Vamwe Vashungurudze Madzimai Mudzimba

  • Blessing Zulu

Muzvare Caroline Kache vesangano reWomen and Law in Southern Africa kana kuti WILSA vanoti sangano ravo rinodzidzisa madzimai nezvemitemo rainge riine zvirongwa muHarare nekwaMutoko zvekudzidzisa madzimai nevanasikana nezvekodzero dzavo.

Izvi zviri kuuya apo Zimbabwe iri kuenderera mberi mukubatana nedzimwe nyika mukucherechedza mazuva gumi nematanhtau ekukurudzira kurwiswa kwedambudziko rekushungrudzwa kwevanhu mudzimba nedzimwe nzvimbo kana kuti 16 days of Activism Against Gender Based Violence.

Masangano anorwira kodzero dzemadzimai anoti mitemo inofanira kuomeswa kune avo vanotyora kodzero dzemadzimai kanawo varume vacho.

Gore rino mazuva aya ari kucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekupedza kushungurudzwa kwevanhu mumabasa.

Masangano ose anoshanda nemadzimai anoti nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai dziri kuwedzera zvakanyanya munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Caroline Kache