Vanotengesa Mumigwagwa yeHarare Vorwisana neMapurisa Mushure meKubviswa Pavaitengesera

Zimbabwe Vendors

Vanotengesera mumigwagwa yeHarare varwisana nemapurisa eZimbabwe Republic Police, ZRP, zvichitevera danho remapurisa rekubvisa vanhu vanosvika mazana matanhatu vaitengesera pamusika wakatarisana nekamba yeHarare Central Police Station.

Mapurisa anonzi akati huwandu hwevanhu panzvimbo iyi hwaive hwave kukonzera kusagadzikana uye kukanganisa basa remapurisa muguta.

Mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba vakaburitsa gwaro rinotaridza pamire mapurisa pamusoro pedanho raari kutora iri.

Izvi zviri kuitika pasina mazuva mazhinji mutungamiriri wesangano revanotengesa re National Vendors Association Union of Zimbabawe VaStan Zvorwadza vaudza Studio 7 kuti vanofara nehukama hwavepo pakati pevanotengesa ava nemapurisa kubva zvakasiya VaRobert Mugabe basa gore rakapera.

VaZvorwadza vanoti kudzingwa kwakaitwa vanotengesa uku hakuna kuitwa nenzira yakanaka nekuti havana kuudzwa nguva iripo kuti vagadzirire uye hapana hurongwa hwekuti vanhu vese ivavo vawane kumwe kwavangapihwe kuti vatengesere.

Vanoti sangano ravo ndiro rinomiririra vanotengesa vakawanda munyika naizvozvo vazvipira kupinda mumisangano nemapurisa emuHarare pamwe neekanzuru kuti vaone kuti zvingagadziriswe sei nekuti hakuna kwavangaise zvinhu zvavanga vachitengesa kunze kwekutsvagirwa nzira dzekuti varambe vachitengesa.

Vanotiwo huwandu hwevanhu vavhiringidzirwa raramo hwakakura nekuti vazhinji vanotengesa vane mhuri dzavanochengeta nebasa irori.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Stan Zvorwadza