Kupambwa KweVanhu Kokonzera Kusawirirana muNyika

Joana Ruvimbo Mamombe

Nyaya yekupambwa kunonzi kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance nhatu nemusi weChitatu svondo rapera dzinoti mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe, mutevedzeri wasachigaro weMDC Youth League Muzvare Cecilia Chimbiri uye mutevedzeri wemurongi wemabasa musangano revechidiki iri Muzvare Netsai Marova yakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Vatatu ava vanoti vakatorwa kubva kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station vakanoshungurudzwa kuBindura.

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti pave kuda masangano akaita seUnited Nations kuti apindire nekuti vashaya chivimbo nemapurisa nehurumende inongoti iri kuferefeta nyaya idzi asi pasina anosungwa.

Vamiriri veAmerica, EU nedzimwe nyika muZimbabwe vakati vari kushushikana zvikuru nenyaya dzekushungurudzwa kwevanhu munyika vakati dzinofanira kuongororwa. Asi vakawanda mubato reZanu-PF vari kutsika madziro vachiti dzimwe nyaya dzekupambwa kwevanhu ndedzemugotsi matsuro.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti vanopikisa vanetsika yekunyepedzera kuti vatapwa.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vanoti pakatariswa humbowo huripo, hurumende inoratidza kuti ine nhoroondo yekuita vanhu kafiramberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaTafadzwa Mugwadi