Kunaya kweMvura Kwopa Hama dzeVakadhirikirwa neMugoghi kuBindura Kuti Dzishaye Tarisiro yeKuti Pane Anopona

  • Blessing Zulu

Ran Mine

Basa rekununura vanhu vakadhirikirwa nemugodhi weRan Mine kuBindura rakambokanganiswa nemusi weChitau nemvura yakawanda iri kunaya munzvimbo iyi.

Vanhu vanodarika makumi matatu vanonzi vari mumugodhi uyu kunyangwe vamwe vachiti huwandu uhu hunogona kunge hwakawanda kana kuti huri hushoma.

Mumwe kanzura wekuBindura VaBrian Kembo vanoti muvura iyi yave kupa vanhu kuti vashaye tarisiro yekuti hama dzavo dzichabuda dziri dzipenyu.

VaKembo vanoti vari kuyedza kununura vanhu vatomira vachiti pave nenjodzi yekuti vari kuda kubatsira vanogona kurasikirwa nehupenyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBrian Kembo