Kufa kweVamwe Vashandi neCovid-19 Kwopa Kuti Mamwe Makambani Ambovhara

  • Blessing Zulu

Zvichitevera kufa kwevamwe vashandi vaviri muHarare nekuda kwechirwere cheCovd-19, gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti vave kubatana nevashandi nevashandirwi kuona kuti vashandi havatapurirwe chirwere ichi vari pamabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Mavima

Vaviri vakashaya ava vaishanda paCatholic Cathedral uye paGoldstar Sugars and Country Foods muHarare.

Nzvimbo idzi dzakabva dzambovharwa.

Vamwe vashandi makumi maviri nevatatu veCIMAS vakabatwawoo nechirwere ichi zvakapawo kuti kambani iyi imbovhara kirinika yayo kuHigh Glen muHarare.

Mamwe makambani ane vashandi vakabatwa nechirwere ichi anosangnisira FedEx Zimbabwe inoshandisa zita rekuti Cheetah Express Logistics, ZIMRA uye bhanga reNMB kuSoutherton.

Vamwe vashandi vaviri vePremier Service Medical Aid Society vakabatwawo nechirwere ichi muHarare.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, VaJaphet Moyo, vanotiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumakambani sezvo musiri kutevedzerwa zviri kukurudzirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo