Mapurisa anoti huwandu hwemhosva dziri kuparwa nevanhu hwadzika munyika, asi kubatwa chibharwo kwevanasikana kuri kuramba kuchienderera mberi.
Vachitaura nhasi pachirongwa chekupedza zvidzidzo kwemapurisa anodarika mazana mana muHarare, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vati mhosva dzinoparwa dzadzika nezvikamu gumi nezvina kubva muzana.
Asi vanoti mhosva dzekubatwa chibaro kwevana dzakwira kubva pa-1,384 pakati pemwedzi waNdira naChikabvu gore rapfuura, kusvika pa-1,494 munguva imwe cheteyo gore rino.
VaChihuri vashorawo mapositori nekurova kwaakaita mapurisa masvondo mashoma apfuura muHarare vachiti ichi chiitiko chisina kunaka uye chisingafanirwi kunge chichitwa nevanhu vanonamata.
Nhengo yedare reparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vashorawo zvikuru kubhinywa kwevanasikana kuri kuramba kuchienderera mberi munyika.