Shasha yeMusambo weRumba, Papa Wemba, Anoshaya Achiimba kuIvory Coast

Your browser doesn’t support HTML5

Shasha yeRumba, Papa Wemba wekuDRC, akashaya neSvondo mangwanani zvichitevera kudonha kwaakaita achitamba kuIvory Coast. Wemba, uyo anga ava nemakore makumi matanhatu nemanomwe, airidza pamitambo yeFEMUA 2016 festival. Akafa asati asvika kuchipatara. (Reuters)