Mapurisa Anoputsa Musika weCopacabana muHarare

Harare Vendors

Mapurisa ekanzuru yeHarare, achibatsirwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police, aputsa neChina musika une mukurumbira muguta reHarare, weCobacabana.

Musika uyu waputswa pasi pechirongwa chekanzuru yeguta guru renyika chekubvisa vose vanotengesa mumigwagwa munzvimbo dzavanotengesera zvinhu zvavo.

Kanzuru yeHarare yakabuda pachena ichiti dzimwe nzvimbo dziri kushandiswa kuitira mabhizinesi asiri iwo adzakatarirwa. Kanzuru inotiwo yakazivisa mugore ra 2015 kuti musika wecopacabana waifanirwa kuparadzwa kuitira kuti pauri pavakwe muzinda wezvitoro nemahofisi nemari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora.

Kuputswa kweCopacabana kunopesana nemashoko ameya weHarare, va Herbert Gomba, ekuti kanzuru yavo yaizotanga yawanira vanhu kwekutengesera isati yavabvisa munzvimbo dzavari pari zvino.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vanotengesa mumigwagwa, reNational Vendors Union, VaStan zvorwadza, vanoti vashamiswa kunzwa kuti musika weCopacabana waputswa.

Vati vanotengesa mumigwagwa vaifanira kupihwa nguva yekurongedza zvinhu zvavo nekutsvaga dzimwe nzvimbo dzekutengesera.

Mukuru wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vanoti zvaitwa izvi kupinza nzara mumishayevanotengesa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaSam Wadzayi

Meya weguta reHarare, Va Herbert Gomba, vanoti nzvimbo yaputswa haineyi nekanzuru yavo, sezvo iri inzvimbo yakazvimiririra yega yavasingakwanisi kurongera kuti ishandiswe sei.

Vatiwo makanzura avo haana kuita musangano wakabuda nechisungo chekuti musika wepaCopacabana, upunzwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaHerbet Gomba