Kanzuru yeMasvingo Yogadzira Nzvimbo yeKubatsira Vanenge Vabatwa neCoronavirus

Meya Collen Maboke veMDC

Kanzuru yeMasvingo inoti iri kutsvaga nzira dzekubatsira vagari vanenge vawirwa nedambudziko rechirwere checoronavirus kunyangwe vamwe vagari vari kuti zviri kuitwa hazvina kukwana.

Kanzuru yakaisa chipatara chitsva mumusha wevazhinji weRujeko.

Muzvare Rumbidzayi Magurupira, wemumusha weRujeko, anoti chipatara ichi chinogona kusakwana kubatsira vanhu kana coronavirus ikapararira zvakanyanya.

Vamwewo vagari vakaita saAmai Tinotenda Mazuru, vanoti danho rekuisa chipatara ichi munzvimbo inogara veruzhinji rinogona kuita kuti chirwere ichi chitekeshere mudzimba dzevanhu vamwe varwere vapoya.

Asi Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti vakaita danho iri vaita tsvakurudzo uye vapuwa dzidziso nana Chiremba pamwe nenyanzvi dzebazi rezve hutano.

Mukuru webasa, musangano rinomirira vagari, reMasvingo Residents and Rate Payers Alliance(MURRA) VaAnoziva Muguti, vati kanzuru inofanira kuvandudza chipatara ichi kuti chitakure vanhu vakawanda uye kuti paiswe matanho eku chengetedza vanenge vauya nechirwere kuti vasazotapurire vanhu mudzimba.

Meya Maboke vari kururdzira vagari kuti vasatye nekuti vakaisa matanho pamwe chete nenyanzvi dzehutano eku chengetedza vanenge vabatwa nechirwere ichi kuti chisatapurirwe mudzimba dzevagari veRujeko.

Dhorobha reMasvingo harisati rave nemunhu akabatwa ne chirwere ichi asi vagari vanotyira kuti sezvo riri munzira yemugwagwa inoenda kuSouth Africa chinogona kupararira nevanofamba.

VeMurra vanoti kanzuru inofanira kufambisa mashoko neku shambadza kuti vagari vawane ruzivo rwakakwana kuti chirwere ichi chinotapuriranwa sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfree Mtimba