Amai Mujuru Voviga Nyakupfura VaKombayi seGamba reNyika

  • Thomas Chiripasi

Joice Mujuru

Musori anga achityiwa zvikuru munguva dzesarudzo munyika, VaElias Kanengoni, varadzikwa zvine mutsindo neMuvhuro segamba rakarwira rusununguko rwenyika.

VaKanengoni vanga vari mutevedzeri wemukuru wevasori anoona nezvinoitika mukati menyika.

Vachitaura pamarinda anovigwa magamba enyika pa National Heroes Acre neMuvhuro pakuradzikwa kwaVaKanengoni, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vati Zimbabwe inofanirwa kuita sarudzo dzakachena gore rino.

Vazhinji vevanhu vanga vari pamarinda apa masoja, mapurisa pamwe nevasori avo vanogaropomerwa mhosva nebato reMDC yekuita zvemhirizhonga
pamwe nekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai haina kuenda kumarinda aya kunoona VaKanengoni vachiradzikwa, ichiti mufi ane maoko ane ropa.

Amai Mujuru vakurudzira vezvematongerwo enyika kuti vasaite zvemhirizhonga pamberi pesarudzo dzichaitwa muzuva risati ratarwa.

Nhengo ye Zanu PF Politburo, uye vachibva mudunhu reMashonaland Central kwanga kuchibva mushakabvu, VaSaviour Kasukuwere, vaudza Studio7 kuti dunhu ravo rarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaKanengoni avo vanonzi vakangodonha.

Ataura akamirira mhuri uye ari mwana wemushakabvu, Muzvare Tabeth Kanengoni, ati mhuri yavo yarasikirwa zvikuru asi chinovafadza ndechekuti baba vake vakaita kuti veruzhinji vagare zvakanaka kubudikidza nekurwa kwavakaita muhondo yeChimurenga.

VaKanengoni nemumwe wavo musori zvakare, Kizito Chivamba, vakawanikwa vaine mhosva yekupfura mushakabvu, VaPatrick Kombayi, musi wa 24 Kurume 1990, munguya iyo VaKombayi, vakamirira Zimbabwe Unity Movement, vaikwikwidzana namushakabvu Simon Muzenda.

VaKanengoni naVaChivamba vakatongerwa kugara mujeri kwemakore manomwe, mushure mukuwanikwa vaine mhosva yekupfura VaKombayi katanhatu pahudyu.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabva vashandisa masimba avo pamutemo, ndokuregerera vaviri ava, uye havana kana kumboisa gumbo pamusuwo wejeri.

Mutauriri we MDC huru, VaDouglas Mwonzora, vanoti maoko aVaKanengoni akasviba zvichitevera kupfura kwavakaita VaKombayi, izvo zvapa kuti bato ravo risaende kunoviga munhu akakonzeresa mhirizhonga munguva dzesarudzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube kuti seyi isinawo kuenda kuHeroes Acre.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi