Muzinda Wekambani yeNestle Unoramba Mashoko Ekuti Uchavhura Zvakare Kambani yemuZimbabwe.

Muzinda wekambani yeNestle kuSwitzerland waramba mashoko ekuti uchavhura zvakare kambani yavo muZimbabwe, iyo yakavharwa svondo rapera mushure mekuramba kwayo kutenga mukaka kubva kupurazi remudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Mutsambambozha yavanyorera Studio 7, mutauriri weNestle Amai Nina Backes, vati kambani yavo ichiri kuita hurukuro nehurumende pamusoro pekuti vodzoka here kana kuti kwete.

Gurukota rezvemaindasitiri VaWelshman Ncube vasvondo rapera vakaudza Studio 7 kuti vakanga vawirirana nekambani iyi kuti itange zvakare kuita basa uye vakati Nestle ichavhura svondo rino.

Nestle yanga yambovhara mushure mekushungurudzwa nevamwe vakuru muhurumende vari kudivi reZanu PF vachida kuimanikidza kutenga mukaka unobva kupurazi reGushungo Dairy Estates. Vanoongororo zvematongerwe enyika uye vari sachigaro weZESN, VaTinoziova Bere vati zvakaitwa nevakuru vehurumende ava zvinotandaniusa vanenge vachida kuvhurawo kabhizimusi munyika.