Kambani yeACR Yotsvaga Rubatsiro rweMatare

Magweta ari kumirira kambani ye African Consolidated Resources, iyo yaimbochera mangoda kwaMarange isati yamiswa nehurumende, anoti ari kudzokera kumatare svondo rinouya.

Magweta aya anoti ari kuda kuti hurumende itevedzere zvakatarwa nematare High Court neSupreme Court, ayo akati ACR ndiyo chete ine mvumo pamutemo yekuchera mangoda kwaMarange.

Mukuru wevatongi vemumatare edzimhosva, VaGodfrey Chidyausiku, vakatiwo kucherwa kuri kuitwa kwaMarange kumbomiswa kusvikira gakava riri panyaya iyi rapedzwa nematare. Asi magweta eACR anoti hapana mitongo iri kukatevedzerwa nehurumende.

Nhengo dzekomiti yeparamende dzaida kunoongorora zviri kuitika kwaMarange, dzakarambidzwa kupinda munzvimbo iyi nemapurisa pamwe nagavhuna weManicaland, VaChris Mushowe.

VaJonathan Samkange ndivo rimwe remagweta e ACR. Va Samkange vanoti havasi kuzomira kuedza zvese zvavanogona kuita pamutemo, izvo zvinosanganisira kuenda kumatare makuru ekunze kwenyika, kana vachinge vaita zvese zvinodiwa munyika.


Zvichakadaro, muongorori weKimberly Process muZimbabwe, Va Abbey Chikane, vanoti havasati vapa mvumo yekuti mangoda ekwaMarange atengeswe. Vatiwo havasati vaenda kuZimbabwe vachifambira nyaya sezviri kubuda mumapepanhau. Vati mushure meongororo yavo kuZimbabwe, vakanyora gwaro ravakaendesa ku Kimberly Process, uko riri kuzeiwa.