Sangano rakaumbwa kurangarira vairwira kodzero dzevanhu zvakare vari vaive mukuru wesangano reOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzamara, reItai Dzamara Trust, nhasi raita mhemberero dzekucherechedza zuva remadzimai reInternational Women’s Day.
Mhemberero idzi dzaitirwa kuHighfield apo madzimai nevasikana vapinda muchiitiko ichi vapihwa zvekushandisa pakutevera kana kuti masanitary pads nezvimwe.
Mutauririri wemhuri yekwaDzamara zvakare vari nhengo yebhodhi reItai Dzamara Trust, VaPartson Dzamara, vaudza Studio 7 kuti vaona zvakakodzera kuratidza rudo kuvanhukadzi mumwedzi uno, unova iwo mwedzi wakatsakatika mukoma wavo Itai makore mashanu apfuura.
Vati kunyange hazvo mukoma wavo aiita zvematongerwo enyika, kurwira kodzero dzevanhu pamwe nekutapa nhau, vaiita zvese izvi nekuti vaive nerudo uye Itai Dzamara Trust ichaenderera mberi nemoyo nyoro wavo.
Vati sangano ravo raparura basa raro mumusha weHighfileds nekuti ndimo makazvarirwa Itai asi vati vachaenda kune dzimwe nzvimbo vachibatsira madzimai nevasina zvekutevera pamwe neruzivo munyaya dzakawanda dzinosanganisira mutemo, dzidzo pamwe nehutano.
Vamwe vapinda muchiitiko chanhasi ndiamai Rememberance Zuze avo vati kunyange hazvo VaDzamara vasati vawanikwa, vanofara nezvaitwa nesangano riri kucherechedza hupenyu hwavo iri .
Mumwe musikan asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti abatsirikana chose nhasi.
Zvichakadai VaPartson Dzamara vazivisa kuti gungano rekucherechedza makore mashanu mukoma wavo apambwa nevavanhu vasingazivikanwe mumusha weGlen View richaitwa nemusi wechipiri muHarare.
Vati kusvika pari zvino havana ruzivo kuti mukoma wavo ari kupi kana kuti mupenyu here.
Vati mapurisa, vanorwira kodzero dzevanhu, Zimbabwe Human Rights Commission nevamwe vaishanda naVaItai Dzamara ndevamwe vakakokwa kugungano iri.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Godwina Mangudya