Ishe Zvimba Vopa Mutongo weKuti VaMugabe Vafukunurwe Vavigwe kuHeroes Acre.

  • Blessing Zulu

Ishe Zvimba vanonzi vaudza mhuri yamushakabvu Robert Mugabe avo vaive mutungamiri wenyika kuti vavafukunure pavakavigwa kumusha kwavo kwaZvimba kuti vanovigwa paHeroes Acre muHarare.

Izvi zvinonzi zvinofanira kuitwa mukati memazuva makumi matatu anotevera. Ishe Zvimba vanoti zvekuviga VaMugabe pamusha hazvitevedzeri tsika dzechivanhu chavo. Asi mhuri yaVaMugabe iri kutsika madziro ichiti pavakavigwa ndipo pavakataura vega kuti vanoda kuradzikwa.

Tichakupai zvizere manheru ano nenguva dza 7 pm.