Kuferefetwa kweMunhu Akahaya Motokari yeImpala Yakashandiswa Kupamba Muchehiwa Kwokwidza Makata

Tawanda Muchehiwa

Gweta riri kumirira Tawanda Muchehiwa, VaNqobani Sithole, vanoti havasi kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kuhurumende, pakuferefeta kuti ndiyani chaizvo akahaya motokari yekambani ye Implala Car Rental, iyo inonzi yakashandiswa mukupamba Muchehiwa musi wa 30 Chikunguru.

Zvichitevera kupambwa kwaakaitwa, Muchehiwa, uyo ari kudzidzira basa rekutora nhau paMidlands State University, akazowanikwa aine maronda ekutochwa kwaakaitwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

VaSithole vanoti vakasvitsa nyaya yekuferefetwa kwekambani ye Impala kudare repamusoro, iro rakapa mutongo wekuti kambani iyi iburitse zvose zvainazvo pamotokari yakashandiswa mukupamba Muchehiwa.

Muchehiwa muzukuru wemutori wenhau, uye ari mupepeti we ZimLive, Mduduzi Mathuthu.

VaSithole vanoti kunyange hazvo pava nemutongo uyu, havasi kuwana rubatsiro kubva kuhurumende zvichitevera kuzvuva makumbo kuru kuita chikonzi panyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati havana ruzivo nezvekuferefetwa kwenyaya yekambani yeImpala, uye vanga vasingakwanisi kutaura zvakawanda sezvo vanga vasiri pabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Nyathi

Studio7 haina kukwanisa kubata kambani ye Impala kuti tinzwe divi rayo panyaya iyi.

Asi kambani iyi yakaburitsa mashoko ichiti ichashanda nemapurisa, uye kuzivisa mapurisa kuti ndiyani akahaya motokari yayo, iyo yakashandiswa mukupamba Muchehiwa.

VaSithole vanoti vakaramba vachiita dambudziko rekushaya ruabtsiro kubva kuhurumende, vachaenderera mberi nekuti nyaya iyi itongwe pachishandiswa hurongwa hwe private prosecution.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNqobani Sithole