Inflation Yokwira Zvakanyanya Kusvika pa59.39 %

  • Jonga Kandemiiri

Doctor John Mangudya

ZIMSAT inoti inflation munyika yakwira kusvika pazvikamu makumi mashanu nemapfumbamwe nezviga makumi matatu nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 59.39% zvakapedzisira kuitika makore gumi apfuura.

Asi gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya avo tisina kukwanisa kubata parunhare vakazivisa neMuvhuro kuti vanofunga kuti mukupera kwegore inflation vanotarisira kuti inflation iderere kusvika pazvikamu zviri pakari pegumi negumi neshanu kubva muzana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Godfrey Kanyenze vanoti zvinonetsa kuti inflation iderere nenyaya yekudhura kwezvinhu uye nzara yakatarisana nenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Godfrey Kanyenze