IMF Inoti Zimbabwe Ine Zvakawanda Zvinoda Kugadziriswa

  • Blessing Zulu

IMF final

Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasiri rino rinoti rapeta ongororo yaro yemamiro ezvehupfumi muZimbabwe.

Mugwaro raraburitsa kuvatori venhau, bhanga iri rinoti zviri pachena kuti Zimbabwe yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehupfumi uye panoda kuti hurumende izvipire kugadzirisa zviri kunetsa.

International Monetary Fund, IMF, inoti zvinoda kugadziriswa zvinosanganisira nyaya yemitemo yainoti inongovandudzwa chero nguva, nyaya yemari yemunyika isina kunyatsosimba, uye kubhadhara zvikwereti zvayo kunyika nemabhanga ekunze.

IMF inoti hayo nenzara yakapfunya chisero munyika, zvinonetsawo kuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Bhanga iri rinotiwo Zimbabwe inofanira kugadzirisa nyaya dzehuori uye kuremekedza kodzero dzevanhu kuitira kuti ikwanise kukwezva vekunze vanozotanga mabhizimisi munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti ichokwadi kuti nyika inoda mitemo yakajeka kwete kuita kunge rwaizvhi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGift Mugano