IMF Inoti Hupfumi hweZimbabwe Huri Kuramba Huchienda kuMawere

  • Ntungamili Nkomo
International Monetary Fund (IMF) inoti hupfumi hweZimbabwe huri kuramba hwakatarisana nematambudziko akawanda uye kugedageda kwemeno mumabhanga kuri kuramba kuchienderera mberi.

Mugwaro rayaburitsa neMuvhuro zvichitevera hurukuro pakati pechikwata chayo neZimbabwe pasi pechironga che-Article 4 svondo rapera, IMF inoti kunodiwa mitemo yezvemari yakajeka kuitira kuti hupfumi hwenyika humutsidzirwe.

IMF inotiwo hurumende inofanirwa kubvumidza makambani kuti ashande akasununguka uyezve kuti idyidzane zvakanaka nevanobatsira nezvikwereti.

Sangano rinokweretesa mari pasi rose ratiwo kuti mabhanga asimbiswe, hurumende inofanirwa kugadzirisa zvakawanda zvinosanganisira kuisa mari mubanga guru renyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labor and Economic Development Reserch Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti zvinotaurwa neIMF ndizvo zvinogara zvichitaurwa nenyanzvi dzakawanda asi hurumende yeZimbabwe inoisa zvipikiri munzeve.