Zimbabwe Yowana Magetsi Mashoma nePamusana peZvikwereti

  • Jonga Kandemiiri
    Thomas Chiripasi

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, vanoti hurumende ichaedza napose painogona napo kuitira kuti veruzhinji munyika vawane magetsi anovakwanira zvichitevera danho rakatorwa nekambani inogaya magetsi yekuMozambique, yeHydro Cahorra Bassa rekuderedza huwandu hwainotengesera Zimbabwe magetsi.

Kambani iyi inonzi yakamisa chimwe chikamu chemagetsi ayo kupinda munyika nepamusana peZesa iri kutadza kubhadhara chikwereti chayo chemagetsi kukambani iyi.

Danho rinonzi rakatorwa nekambani yemagetsi yekuMozambique iri rinonzi nevakawanda richatoita kuti zvinhu zvinyanye kuoma munyika.

Vazhinji vari kuti kana magetsi anga achimbonetsa iyo nyika yanga ichiwana mamwe kubva kuMozambique, zvinenge zvoreva kuti zvinhu zvichatonyanyosunga kana Hydro Cahorra Bassa yatora danho rekudzima magetsi ayo.

Kunyange hazvo VaMangoma vachiti nyika yarasikirwa nechimwe chikamu chemagetsi kubva kuMozambique, kambani yeHydro Cahora Bassa yaramba mashoko ekuti yakadzimira Zimbabwe magetsi.

Zimbabwe inonzi inoda magetsi anosvika 2 100 megawatts pazuva kuitira kuti nyika iwane magetsi akakwana, asi iri kukwanisa kugaya magetsi anosvika 1 300 megawatts chete, izvo zviri kupa kuti magetsi agare akadzimwa mudzimwe nzvimbo dzakawanda.

Vagari vazhinji vakabvira kare vachikurudzirawo Zimbabwe kuti isabhadhare nemagetsi kambani yekuNamibia yeNamPower, iyo yakaita basa rekuvandudza gwenya reHwange.

Chikwereti ichi, chemamiriyoni makumi mana emadhora, chinonzi chichaita kuti magetsi anosvika 150 megawatts aburitswe munyika pazuva kusvika mugore ra2013.

Mukuru wesangano revashandirwi reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vaudza Studio 7 kuti makambani mazhinji anga otanga kumutsiridzwa achatadza kuita izvi nekuda kwekunetsa kwemagetsi.

Mutungamiri werimwe sangano revagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, VaSimbarashe Moyo, vanotiwo danho iri richasiya vagari voyaura zvikuru sezvo pasina dzimwe nzira dzekuwana nadzo moto nekuda kwekunetsa kwoitawo huni munzvimbo zhinji munyika.