Hurumende Yowedzera Mutengo weHupfu

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa nezuro kuti mutengo wehupfu hwave kuwedzerwa zvekare kubva pamadhora makumi mashanu kusvika pamadhora makumi manomwe pamakirogiramu gumi.

Mutsamba kuvatori venhau, bazi rezvemari rakazivisa kuti hupfu hunofanira kunge huchitengeswa hwakaderera mutengo sezvo hurumende iri kubatsira hwave kutengeswa pamukoto zvopa kuti vade kuona kuti vagadzirise dambudziko iri sei.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende haina mari yekuramba ichipa vanogaya hupfumi ava kuti vatengese nemutegno wakaderera.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vainge vatiwo hupfu hausi kuzokwidzwa asi aya anenge aiva manyautsa mukanwa chembere kurota ichiyamwa.

Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa gore rino sezvo vanhu vanosvika mamiriyoni masere vachida rubatsiro rwechikafu.

United Nations inoti izvi zvakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kutadza kutungamirwa kwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanodzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University vanoti mitemo yehurumende ndiyo iri kupa kuti zvinhu zvinyanyoite mhidigari.

Vati hurumende haifanire kutara mutengo wechibage sezvo zvichipa kuti vanhu vashoma vade kuchirima.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGift Mugano