Kuvandudzwa kwechirongwa chevechidiki che National Youth Service, kwava kukonzera mutauro pakati pemapato nemasangano akazvimirira.
Zvichitevera kuumbwa kwehurumende, bazi rezvevechidiki rinofanirwa kuvandudza chirongwa ichi sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement, icho chinosungira kuti mapato matatu ari muhurumende avandudze chirongwa chekudzidzisa vechidiki nezvenyika yavo.
Vamwe vemasangano akazvimirira oga vanoti hurumende iri kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa pakuvandudza hurongwa uhu.
Apo vamwe vari kuronga kuvandudza chirongwa ichi, pane mashoko ekuti vechidiki veZanu-PF, vatanga zvakare nyaya yekupinda mumakamba zvikuru kumaruva vachityisidzira vanhu.
MDC inoti vatsigiri vavo vave kugara vakabatira ura mumaoko nekuda kwekuberekera ingwe kwaita nzvimbo dzakaita seMashonaland Central neMashonaland East.
Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti vechidiki ava vari kuvaka misasa pane zvimwe zvikoro uye vari kutyisidzira varairidzi, vachida kuvhiringidza nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro idzva remitemo.
MDC iri kutiwo kana nhengo dzayo dzarohwa nevechidiki ava, mapurisa anobva avasunga vana nyakurohwa vacho.
Asi Zanu-PF inoti zviri kutaurwa neMDC kutungana kwembudzi, ichiti gudo kuipa kuipa zvaro, asi haridye usiku.
VaLivingstone Munyaradzi Dzikira, mutungamiri weZimbabwe Youth Council, sangano riri kutevera urongwa uhu. VaDzikira vanoti hurumende iri kubata basa rakanaka pahurongwa uhu.
Asi mutungamiri weYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSidney Chisi, vanoti hurumende haisi kupota ichitaurawo navo kuitira kuti vapewo pfungwa dzavo sesangano.