Hurumende Youmba Matare Anotonga Nyaya dzeMhirizhonga Munguva yeSarudzo

Police Vehicle Near Nust University BYO

Hurumende, sezvinotarisirwa munguva yesarudzo, yaumba matare akanangana nekutonga nechimbi chimbi nyaya dzemhirizhonga.

Sarudzo dzegore rino dziri kutarisirwa kuitwa pakati pemwedzi wachikunguru nanyamavhuvhu.

Mukuru wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Erasmus Makodza, vakaudza vatori venhau muHarare nemusi weMuvhuro kuti vematare, mapurisa nemamwe mapazi ehurumende vachange vachishanda munyika yose.

VaMakonza vati mhirizhonga nekutyisidzira vatsigiri vemamwe mapato kutyora mutemo uye anenge awanikwa aine mhosva anosungwa.

Dzimwe nyanzvi munezvematongerwo enyika dzinoti matare haasi iwo mhinduro ega asi kuti mapurisa aite basa ravo nemazvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavinga