Hurumende Yotanga Nhaurirano dzeMihoro neVashandi Vayo

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Paul Mavhima

Musangano pakati pehurumende nevashandi vayo wenyaya yemuhoro pasi peNational Joint Negotiating Council Forum uri kutarisirwa kutanga nemusi weChishanu mushure mekunge vashandi vazivisa kuti vainge voronga kuratidzira sezvo hurumende yange yave kutsika madziro panyaya yenhauririrano.

Vashandi, avo vasina kubatana vari kupinda muhurukuro vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, iro raimbonzi Apex Council vanoti vari kuda kuti vapihwe mari dzavo nemadhora ekuAmerica kunyangwe hurumende iri kuti haina mari iyi uye ichiti dhora remunyika rave nesimba.

Masangano evarairidzi akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, pamwe neAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, anoti varairidzi vari kupihwa mari dziri pakati pezviuru gumi nezvina nezviuru gumi nezvipfumbamwe zvemadhora emunyika kana kuti ZW$14, 000 to 19,000 asi vachiti vanoda madhora mazana mashanu nemakumi maviri kana ekuAmerica kana kuti US$520.

Masangano maviri aya ari kukandiranawo makobvu nematete neApex Council achiti haisi kunyatsomirira zvido zvavo iyo ichiti vePTUZ neARTUZ vanoda kuita zvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

Asi mutauriri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vati havasi kuzodududza panyaya yekuti vashandi vapihwe mashora ekuAmerica semuhoro sezvakambovimbiswa nehuruumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGibson Mushangu