Hurumende Yoramba Yakatsika Madziro paNyaya yeNhumwa dzeILO

  • Blessing Zulu

Amai Sakai Nzenza naVaKazembe Kazembe

Gurukota rinoona nezvevashandi Amai Sekai Nzenza vanoti hurumende iri kugadzirisa nyaya dzekodzero dzevashandi kuburikidza nemisangano yeTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF nekudaro hapana chikonzero chekuti sangano reInternational Labour Orgnanization ritumire chikwata chevaongorori.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Sekai Nzenza

Asi munyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanoti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurike.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Chisungo chekutumira nhumwa chakabuda pamusangano weILO wakapera nemusi weChishanu chapera kuGeneva, Switerland. Danho reZimbabwe iri riri kutarisirwa kukanganisazve kudyidzana kwayo nenyika dzakaita seAmerica nesangano reILO.

Mumashoko avo kumusangano uyu, munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muhurumende yeAmerica VaMike Pompeo vakashora zvikuru kwavanoti kumbunyikidzwa kwevashandi nehurumende yeZimbabwe.

VaPompeo vakashora mauto eZimbabwe nevanochengetedza nyika vachiti ndivo vari pamberi kutyora kodzero dzevashandi.

Zimbabwe iri kupomerwa mhosva yekutyora chibvumirano cheILO Convention 87 chinochengetedza kodzero dzevashandi dzekuratidzira..