Hurumende Yokurudzirwa Kusimbisa Mabasa eKudzivirira HIV

  • Blessing Zulu

Musangano wechipiri munyika wemazuva mana wekutsvaga nzira dzekupedza kutapuriranwa kweHIV/AIDS munyika, we “Second National HIV/AIDS Conference” wakapera neChina mu Harare, ukabuda nezvisungo zvakati kuti.

Zvisungo izvi zvinosanganisira kusimbaradza chido chevakuru muhurumende mukurwisa dambudziko iri, kukurudzira vanhurume mukurwisa chirwere chanetsa munyika, uye kuti masangano nemakambani zvibatane nemasangano anorwisa HIV, kuitira kuti mutoro uyu urerukire.

Mukupetwa kwemusangano uyu, paparurwa chirongwa chekufambiswa kwemashoko, cheZimbabwe Communication Strategy 2011 – 2015, kuitira kuti mashoko ane chekuita neHIV/AIDS ange achisvika kuruzhinji rwevanhu. Musangano uyu wakarongwa nebazi rezvehutano, richishanda nemasangano eNational Aids Council pamwe neElizabeth Glaser Pediatric AIDS Foundation.

Nyanzvi yeHIV/AIDS mubazi rezvehutano, Doctor Angela Mushavi, vanoti musangano uyu wabatsira zvikuru sezvo vanhu vakwanisa kuita muonera pamwe.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaRaymond Yekeye, avo vanoshanda neNational Aids Council. VaYekeye vanoti Zimbabwe yava mugwara kwaro.