Hurumende Yokundikana Kuwirirana neVashandi paMari Dzavanotambira

  • Blessing Zulu

Amai Cecilia Alexander, VaRaymond Majongwe nevamwr vamiriri vevashandi

Munyori mukuru musangano reApex Concil, mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende VaDavid Dzatsunga vanoti mushure memusangano wemaawa mana vatadza kuwirirana nyaya yemari dzavanotambiriswa nehurumende.

Pari kutarisirwa kuitwa mumwe musangano nemusi weChitatu. Vashandi vanoti vanoda kuwedzerwa mari kubva pamazana mana negumi nemana kusvika pachiuru chimwe chete nemazana manomwe.

Vashandi ava vange vati vachatanga kuratidzira nemusi weMuvhuro asi vakazoti vave kuda kumbopa nhaurirano mukana.