Hurumende nemusi weChina iri kutarisirwa kuita musangano nevashandi vayo vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions raimbozivikanwa nekuti Apex Council nezvenyaya yemuhoro.
Izvi zvinotevera yambiro yevashandi ava yekuti vainge voronga kuratidzira sezvo hurumende isiri kuratidza kuzvipira pakuvawedzera mari.
Asi gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, negurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, vanoti vakazvipira kuti vataurirane nevashandi nenekuvawedzera mari.
Musangano uyu uri kuitwa pasi pegungano reNational Joint Negotiating Council.
Nhaurirano dzakamboitwa mavhiki maviri adarika asi hapana chakabuda nekutadza kuwirirana panyaya yekuti vashandi vobatirwa here mari pahomwe yakaumbwa nehurumende yeGovernment Employees Mutual Savings (Gems) yavanozokwanisa kukwereta uye nyaya yemari yemuhoro yekubatsirikana kana kuti Cost of Living Adjustment.
Hurumende inonzi yaida kuwedzera vashandi nemari inosvika zvikamu makumi maviri nemashanu kubva muzana kana kuti 25% zvakarambwa nevashandi vari kuti hurumende yakawedzera vari muchiuto nevamwe nemari inodarika zana nemakumi mashanu kubva muzana kana kuti 150%.
VaMavima vati nhaurirano dzakakosha uye dzinofanira kuitwa sezvo kuramwa mabasa kuchidzosera nyika kumashure.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
Mutauriri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vanoti vanoda kutambiriswa mari inosvika pamazana mashanu nemakumi maviri yekuAmerica kana kuti US$520.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaGibson Mushangu