Hurumende Inoti Yave Kuda kuMutsiridza Ziscosteel

  • Blessing Zulu

Guta re Kwekwe

Gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende yatangazve humwe hurongwa kwekutsvaga vekushanda navo kukambani yeZiscosteel iyo yave nemakore yakavharwa ichitadzawo kubhadhara vashandi vayo mari.

Ziscosteel yakambonyorerena chibvumirano nekambani yeEssar yekuIndia asi hapana chakabuda. Kusashanda kwekambani iyi kuri kupa kuti dhorobha reRedcliff, Kwekwe rairaramiswa nekambani iyi kubva kumakore ekuma1950 riite sedongo chairo.

Asi vhiki rapera Doctor Nzenza vakagadzika bhodhi idzva kuti riedze kumutsiridza kambani iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Sekai Nzenza

Asi vainge vakabata chigaro chasachigaro webhodhi iri Muzvinafundo Gift Mugano vakabva vasiya basa nekusawirirana nemamwe makurukota ehurumende vachiti havawirirane nepfungwa yekuti vasataure nevatori venhau nekuti ndisachigaro wekambani yehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano