Hurumende Inoti Yambomira Nhaurirano dzeMari neVashandi Kuitira Kisimusi Asi Vamwe Vashandi Vonyunyuta

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Paul Mavima

Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hurumende ichaenderera mberi nehurukuro nevashandi vayo panyaya yemihoro yavo gore rinouya uye ine zviri mugapu zvairi kufunga kuti zvinogona kuvafadza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Mavima

Asi mutungamiri werimwe sangano reZIMTA, VaRichard Gundani, vanoti vashandi vari kutoda kuti nyaya yezororo isendekwe parutivi kuitira kuti vaendere mberi nehurukuro nekuti kudhura kuri kuita zvinhu nekuwedzerwa kwemari dzevana vechikoro kunopa kuti kumira nhaurirano kwezuva rimwe chete chairo kuomesere vashandi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRichard Gundani


Vashandi vapedza gore rino vachingoramwa mabasa nenyaya dzemihoro.

Vamwe vari kuenda mazuva mashoma sezvo vari kuri havana mari yebhazi neyekudya uku hurumende ichiti haina mari sezvo iri kuyedza kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.