Hurumende Inoti Hakwanisi Kupa Vashandi Mari Dzavari Kuda Kutambiriswa

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende pari zvino haikwanisa kupa vashandi vayo mari yavari kuda nekuti haina mari yacho.

VaBiti vakataura mashoko aya mumusangano wavakaita nevamiriri vevashandi vehurumende. Musangano weChina uyu wakapindwawo negurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro.

Vashandi vehurumende vakapa hurumende mazuva manomwe ekuti igadzirise nyaya iyi, kana ichinge yatadza, votanga kuramwa mabasa.

Vashandi ava vanoti vachatanga kusangana svondo rinouya kuti vazeye nyaya iyi. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hapana kubatana muvashandi kuti voita sei, sezvo vamwe vavo vari kuda kutanga kuramwa mabasa, asi vamwe vachiti vanoda kuti vatange vaita musangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pavanodzoka kuzororo ravo.

Vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti VaMugabe vari kutarisirwa kutanga basa munguva pfupi iri kutevera. VaMukonoweshuro vaudza Studio7 kuti nhaurirano dzichiri keunderera mberi pakati pehurumende nevamiriri vevashandi vayo.

Munyori mukuru wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti vashandi vachasangana svondo rinouya kuti vaone kuti voita sei.