Hurumende Inoti Haichapa Makambani ekuChina Mvumo yeKuchera Marasha kuHwange National Park

  • Blessing Zulu

.

Dare remakurukota neChipiri rakazivisa kuti harichatenderi makambani maviri ekuChina anoti Afrochine Energy neZimbabwe Zhongxin Coal Mining Group kuchera marasha kuHwange National Park mushure mekunge vanhu vakawanda vagunun’una nezvedanho iri.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau muHarare kuti hurumende haichape makambani aya mvumo yekuchera zviwanikwa mumasango anochengeterwa mhuka. MuHwange mune mhuka dzesango dzakawanda dzinosanganisira nzou, zvipembere, nyati nedzimwe.

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti hurumende yaita zvakanaka kuteerera vange vachigunun'una nedanho rayo rekuda kuti vekuChina vacehere marasha munzvimbo yakakosha inochenetrwa mhuka dzesango.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Maguwu